Nezuro pane akati pamwe
vadzimu vakafa, hanzi chero tikasweroimba
nekushamatata, kusveroridira pasi
kwaa kuungudza kuti vatinzwe
hanzi hapana chichiripo
nekuti mweya yevatinodana
yakatsakatikawo,kukangosarawo
makuva anoshama n'ai.
Aiwazve, musadaro vehama;
kuoma kuoma hako kwezvinhu
zvichemo zvichiswerova mamvemve
zvisati zvabuda muhana, asi
mapako ataisimboona zvemando zvipoko
azere nevanotiringa
vachikwengana nezvinotivhiringa
kusvikira zuva richadzutuka Kariba.
Saturday, July 19, 2008
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment