Thursday, May 24, 2007

Padira Poda

Wati maitamba pada
mumigwagwa yeMufakose,
gare gare monzvenga mota nemidhudhu:
hongu maikura, ndati maikura.

Isuwo tichikura maMazvihwa
taikoda vasikana tichibva kuchikoro -
taivatandanisa, tomira
kuti vamboti mhanye-mhanye,
asika taera tazviti sa-a,
vaibatwa vasati vapota seri kwezvuru.

Ndakapoda wekwaDzoro
zuvaro ndakadzidziswa upenyu
ndikafonyorwa mawara kusvika
ndati rototo: poda, kwete pada
yanga yaunyanisa chiso
apo mwana waDzoro akaikwetsura
hoyo neni rondondo - kwananangwa kwangu.

Ini kutoti enda kumba!
mwana akati bodo, wandipoda
Ko handiti ndizvo tinoita
Unotiza, ini ndokukwitimisa, ndokubata ,ndopoda
Rindai ndokuti kwete kwedu
wekwaDzoro havapodwi -
wapoda wadoda wodowana!

Ini hezvo!

Yakanditevera mhere kumba,
mwana ndokuzodzokera kwake
yabviswa inofamba mombe;
ndikarimiswa gandiwa kumunda,
ipapo vekwangu vasati vatanga
kundidzidzisa ungwaru hunopa pundutso.

Asi kwaiva kukura-
Imi maitamba pada
vekwedu vasikana vachimhanya padira poda.

Thursday, May 17, 2007

Hapana Kwandakainda

Wakatiti uchatidongorerawo
asi nhasi yafamba mwaka
tasweroyeva nzira, munhu zi-i ariko.

Tatarisa tsapi yawairara
yaneta nekushama n'ai -
kutosweroyeva nzira yawakabuda nayo
tsapi yoora mwoyo, chishuwo-wo
chekukupfunda uchikurunga upenyu -
"Tichamuunzirwa muroora riinhi?
Chero angava mubvakure,
kanaye zvake atisinganzwi zvaanotaura
chero ivo vamwe vaya vataisamboda kare -
tingasva tatoti zvuvana nepfambi yekwaDzoro
tiwanewoyo anotomborikurunga pano
achifumotsvairayo tsapi yafundumwara."

"Ndiri kuno mbuya
Ndirikuno. Asi nguva zhinji handiko.
Pamwe ndinombotadzoziva kwandiri
ndozovhunduka angu neetsapi
adzvondorerana muhope."

Ndiri kuno mbuya -
ndiri kuno, asi zvimwe zvese:
mwoyo, mweya, mapapu, zviroto
zviri kugwesha mumadziro etsapi
umo ndiri kukwatsurana neumhizha hwaBhunga
yangu mhuri huri hudzviyotsviyo hweshiri dzaRunde.

Ndiriko mbuya,
ndiri ikoko kwandasakasiya.

Zvekuno

Nhasi kwamuka kwakakwidibira kuno mhai;
ndafungiswa zuva riya
apo makanditi, "Mhanya!"

Yanga yarira yebhunu Nato
Uku dunhu rokwitimira kwaChivi
uko taizonohwanda kwemasvondo.

Nhasi kwamuka kwakakwidibira kuno mhai;
Patati tichitezvo zvemazuva ese -
Kuchipindamo munzira tananga kuminda
ndokuwana haikona zhonga zhonga iroro;
ari apa odyunga umwe nemunwe
uyowo ari apo okanda mavhinga eshungu
kuchinoti ko chii
hanzi tamomoterwa, handi makwiriro iwayo
aita mitengo yemafuta emota
ayo okonzera kukwira kweyezvimwe zvese.