Wednesday, December 20, 2006

Ndati Nditi Ndinokuda

Kahana kuzunguzika,
pfungwa dzopeperekera kwauri,
chishuwo chava chokudziya moto newe,
takagumbatirana,
muzvipfuva tititi,
zviso zvichitaima nemwenje wenyemwerero:
ndirwo rudo rwandaitsvaga
rwadai kundiyambusa nzizi nedzinoera,
ndichigweshera panondidongoresa muchitubu chemwoyo wako
kuti ndinyukuredzo mbambo
dzichahaka changu chido kune chako:
chishuwo,
twudokwairo - -
musvo wezvichatiyambutsa makungwa,
tondodekarira mhiri uko takamirirwa negwara idzva
rezvatavinga pane rino pasi...

Tuesday, December 5, 2006

Makazvinonokera

Tangoyeva imi
tichikwenya zvirebvu zvedu;
tinozviziva kuti vatsva vetsambo
munovaviwa nepasisiite kukwenya pavanhu.

Chamusingazive
ndouko kwatakabva nako zvedu vane;
mava kutotutuma semabhodho,
mokanganwa kuti vakazvitanga ndisu
avo munotanyanga semune hanyn'a.
Asi handiyo nyaya zvayo;
chatakudaidzira pano kuzokuyeuchidzayi gwara
musive kuti twamatanga utwu
takatotwuonesa ndondo;
pomotangirapa handipo
nekuti kwakuchasvitsayi igwenga -
zvamatanga izvi makazvinonokera.

Thursday, November 16, 2006

Totangazve

Upenyu hausi hwezvekutanga nguva dzose;
upenyu ndehwekupuruzira mhenderekedzo dzeraramo;
upenyu ndehwekuningisa kumagumo;
upenyu ndehwekutumbura matumbu ezvinopa upfu,
as nhasi ndati nditi ngatitatange
kuningisa kumabvazuva ezvinhu zvese,
tibve tati ziso dzvoko,
kunyange mushana ukatitosvora;
ndati titsvage nekuwanazvo zvinopa shungu:
dzekubudirira
dzekurota
dzekumiramira
dzekumema ndima yatatema
ticherechedze nekuyeva umhizha hwedu
uhwo washaisa Mazvihwa yose neremuromo.

Kudai ndokuziva mwoyo
hweizvo zvisizikanwi bva zvichipa upenyu;
izvozvo zvakabvirotsvagwa
neavo vakakambaira kare
vakazopedzesira vomedzwa nevhu
vasati vaziva kwekutangira
ndokuchibvoshaya chaiko kwekugumira.

Zvandatanga

Zvandava kutangezvi
ndozvakapa tsuro ungwaru
akazoswera achemedza vana gudo
vaya vepfungwa dzisina mushumo.

Zvandatangezvi
Ndozvichawedzera umhizha hwataitsvagu huya
apo taiduka muChisiya
tichinzwa nhoroondo dzaVaBhunga
sekuru vangu vaya wekuzobiwa nenguva;
avo vakanditi: "Kurarama huvhura meso."
asi ipapo ndakatsunzunyiswa meso nesetswa
sezvo ndaiva jandu raida mushana.

Asi nhasi ndazosvitanga;
yasvika nguva
yekumbandikira musvo wehupenyu
kwava kuchiunyungudusa mumukanwa weshungu
dzadai kutimhemhairira
mhemhairo yatigwengurisa masango neanoera
ndokutipfakamisa kachakarehwa.