Wednesday, December 20, 2006

Ndati Nditi Ndinokuda

Kahana kuzunguzika,
pfungwa dzopeperekera kwauri,
chishuwo chava chokudziya moto newe,
takagumbatirana,
muzvipfuva tititi,
zviso zvichitaima nemwenje wenyemwerero:
ndirwo rudo rwandaitsvaga
rwadai kundiyambusa nzizi nedzinoera,
ndichigweshera panondidongoresa muchitubu chemwoyo wako
kuti ndinyukuredzo mbambo
dzichahaka changu chido kune chako:
chishuwo,
twudokwairo - -
musvo wezvichatiyambutsa makungwa,
tondodekarira mhiri uko takamirirwa negwara idzva
rezvatavinga pane rino pasi...

Tuesday, December 5, 2006

Makazvinonokera

Tangoyeva imi
tichikwenya zvirebvu zvedu;
tinozviziva kuti vatsva vetsambo
munovaviwa nepasisiite kukwenya pavanhu.

Chamusingazive
ndouko kwatakabva nako zvedu vane;
mava kutotutuma semabhodho,
mokanganwa kuti vakazvitanga ndisu
avo munotanyanga semune hanyn'a.
Asi handiyo nyaya zvayo;
chatakudaidzira pano kuzokuyeuchidzayi gwara
musive kuti twamatanga utwu
takatotwuonesa ndondo;
pomotangirapa handipo
nekuti kwakuchasvitsayi igwenga -
zvamatanga izvi makazvinonokera.