Kuona zvasvika pazvava apa
Chiziva kuti zvino zvaipa.
Chimbomira, uture befu
Meso achiuyeva kwenguva refu
Mwezha wepese pawakapfuura napo,
Wotsinzinira maziso kuronda apo
Pasisanzwikwi gutukutu revawakambofamba navo
Ukazovasiya vachindundurutsana nemajana avo.
Ipapa ndipo paungangoti bhebhenuku
Miseve yendangariro ichibaya uku neuku.
Friday, September 26, 2008
Friday, September 12, 2008
AMERICA IDZIVA
Ndakaonawo apfichuka payairidzwa Kwasa Kwasa
Ndikati ndamuwana wangu apindwa neAfrica
Ndikatsegaira mhani,parutivi twasa twasa
rikasvikodoka tichingochokonyora pasi netsoka.
Ko chakazivikanwa chii nababa nhiya,
Kanawo kurangarira kuti hove yose
isiri mumvura inodzikama kwakadziya
yozomveya nekurova bhangu mudziva yapinda.
Kuchinomuti zvakawatotsawo sadza nedzemutetenerwa
Tichiriko kumaraini edu kwana Mazvihwa nana Chivi
Ndokuchinzi kuno hakusi kuAfrica kwamakaponerwa
Chero ukaswerotsvaga maari ose eAmerica mativi,
Ini kanhanha, toomesa miromo munyati wasvava...

Subscribe to:
Posts (Atom)