Friday, August 1, 2008

REGAI TIFURWE NEMHEPO

Kupfupika kupfupika zvacho
asi chinovanga pasi kusvikira kwaedza.
Neniwo mateya zvawo,asi ndinotomhoka
Kana wabakidzwa musambo une huchi.

Zvinoremekedzwa matiri muno
Muchikirabhu chemaNigerians,
Matinombokanganwa nhamo tichikozvora pasi
Vachidandaurwa vana Awilo nana Brenda.

Regai tirikite pasi vana vevhu,
tichiridutira zvedu mabvakure;
Regai titwuonese ndondo twumasenzi twataunza
Ndimomuno matinotombonzwa nyama kupfakanyika
Isati yauya imwe vhiki
Yekunokozvorwa zvitsitsinho zveshungu
Dzinodawo chiremerera kwachisizivikanwe zita.
Ndokunge izvozvi vasati vauya neavo magwaro
Afumoufinyamisa zviso achiseka kwatinobva
Kwaanoti hakuchadyiwa rinopisa, kana rinotonhora chairo!