Friday, September 19, 2014

Zuva Ranhasi neRamangwana

Ndarionawo zuvaro
Pandasiya chihanzvadzi chako kuchikoro.
Ndada kumbomira, kuti ndiriringe,
Kuti ndirinan'anidze,
Kuripuruzira, kurikwezva
Nokuriisa mugaba. 
Kuvaka
           ndangariro.

Asi handina hangu kumisa mota
Ndiro ranga rakandiringa
Pakutanga richirova uso zvisina hasha
Rombobwaira seratosvorwa neni
Rombounyanisa uso
Uku richivhundusa denga;
Kurisuwisa, chiso charo pwititi,
Gare gare rorijekesa, roritsvukisa
Iro zuva iri mboni yakadzikama. 

Pandazorifuratira ndachinaga kubasa,
Pfungwa dzava pakunoshuma
Chero nairo ndanzwa roshama n'ai,
Ndikaziva kuti rasiyana neni;
Pamwe pane umwe woroona.

Ikozvino wataurawo wega,
Wanyora paTwitter yako
Kuti zuva ranhasi rakukwezva moyo
Chero zvayo usina kuziva kuti sei;
Ehe, rataura newe nguva imweyo
Ranga richindibwairira.

Vakazvitaura wani vekwangu,
Kuti kukura kupinda kwemazuva.
Chero iro racho rinoti kanhanha
Parinofunga nzendo dzarafamba,
Richiziva mberiko ndekusina befu.

Wednesday, April 22, 2009

CHITSVA ZVIPERE

Zvino kana newewo chembere
Woita matakanana akadaro,
Woregedza dzichiuruka danga pfungwa,
Pedzezvo dzopingwa nezvitsiga zveshayamazano,
Ko vadiki vanokuringa, vachitsvaga rairo, vodii?

Pakutanga taiti wafinhwa nematakanana enyika
Tikati uchatura befu, pfungwa uchidzinangisa
Uko kwadzaizobhebhenukawo dzaona chouviri,
Asi takati kanhanha waitunzira matakanana pano.

Nhasi wangova marangwanda, pasisina icho
Vanokuti wakura vangaona vakanombora;
Taedza zvaramba, kuti tikuonesewo mwezha wenyatwa;
Zvino zvowotipinzawo muchoto, tochisumuka
Zvino tibve tasundidzira iwe uchitswa zvipere.

Thursday, January 15, 2009

Kuranga Ivhu

Kutamba ndokuziva ini;
Uku kwavanga voita kwainge kwehasha,
kuchokonyora pasi kunge chibage
muhana vachikacha midzi yenhamo--
Vanga vowana rugare mutsoka
payainenge ichiranga ivhu.

Thursday, January 8, 2009

Ndangariro Dzehudiki

Chiripo here chinotapira
kana kuvavira, chingakunda
ndangariro dzehupwere?

Tiri paKiriniki yepaMafuva
Ndiri kuzhambatata
Nekuti Nesi vanoda
kundibaya jekiseni.

Kwete, nyarara, hazvirwadzi
Mupei chihwitsi,
Mupei mbuva, mangai
Mupei nemvura, pamwe anganyarara
Tibaye.

Baya kani zvipere.
Anofa here? Bayai.
Ndizvo agorarama
Ndizvo aite mukwimba
Sabhudhi vake.

Ndiudzei.
Chiripo here chinokamhina
Chigopfuura mbudzi yaVaBhunga
Yandakavhuna gumbo nebwe
Yaramba kuburuka gomo sengururu
Ndokubva ndakakwa nehukasha
Ndikariposhera 'bwe sendasutswa.

Chiripo here?

Chiripo here chinopfuura hupwere?
Kungava kuvata nayo ndashaya basa
Kwogova kutimba nzira neshoka ndawana basa
Kana kuroposha ndatsamwira wandinaye--
zvese izvi hazvikundi ndangariro dzehudiki.

Tuesday, January 6, 2009

Toramba Tichidana

Tozviziva hedu
kuti atisiya, as tomudana,
sezvo tirisu tine manzwi
acho ekudana dawo,
Iye ane nzeve dekutinzwa nadzo.

Chero zvazvo akasambonzwa,
pamwe kune vamwe vakadana kare,
koita vaya vanodana vakazhangandira,
isu ticharamba hedu tichimudana
neruzivo rwedu rwekuti
kudana kune chiremera
hakuna kuzhangandira,
hankunete,
hakupere
hakuregwi
kudana kunodana
kusvikira kumwe kudana kwese
kwaneta kunge marubvu-rubvu.....

Sunday, November 23, 2008

Muchinyanya Mhani

Matakanana haadhuri, ndosaka asinganake:
Watondiudza matakanana pano, watondisembura.

Paya pawakandichenamira, ndakakurega uchinyengwa nemhepo
Asi nhasi wadzoka, wobvumburuka mudota sedhongi.

Ko waimhanyirepiko? Uchitizeiko kuno?
Zvino nhasi zvowodzoka waibviswa nendondo
Uchatiudza ngano dzipi, nemuromo upi?
Kana tikakuti takagara tazviona
Uchazvirova dundundu renyadzi here,
kana uchati peveve mudziva remamwe manyawi.

Tinozviziva wakadzivuwa nemadhaka nzeve,
Asi rega titaure chete,tipedze shungu,
Titi chero afutume sei matakanana aunawo
Haana chouviri chaanounza pano.

Friday, October 10, 2008

MUSAITA ZVEKUTAMBA

Ngatisatambaka tichidaro.
Makore mangani tichingowawata
Pasina chaitwa.

Aiwaka!
Zvimwe ngatiti tinotamba.