Thursday, January 8, 2009

Ndangariro Dzehudiki

Chiripo here chinotapira
kana kuvavira, chingakunda
ndangariro dzehupwere?

Tiri paKiriniki yepaMafuva
Ndiri kuzhambatata
Nekuti Nesi vanoda
kundibaya jekiseni.

Kwete, nyarara, hazvirwadzi
Mupei chihwitsi,
Mupei mbuva, mangai
Mupei nemvura, pamwe anganyarara
Tibaye.

Baya kani zvipere.
Anofa here? Bayai.
Ndizvo agorarama
Ndizvo aite mukwimba
Sabhudhi vake.

Ndiudzei.
Chiripo here chinokamhina
Chigopfuura mbudzi yaVaBhunga
Yandakavhuna gumbo nebwe
Yaramba kuburuka gomo sengururu
Ndokubva ndakakwa nehukasha
Ndikariposhera 'bwe sendasutswa.

Chiripo here?

Chiripo here chinopfuura hupwere?
Kungava kuvata nayo ndashaya basa
Kwogova kutimba nzira neshoka ndawana basa
Kana kuroposha ndatsamwira wandinaye--
zvese izvi hazvikundi ndangariro dzehudiki.

2 comments:

bubblingbee said...

Well I liked the ndangariro dzehupwere poetry esp the jekiseni part.I like writing children's books and would like to network

Smangaliso said...

kikiki hapana chinokunda ndangariro dzehudiki chokwadi chero hazvo zvimwe zvacho zvaisadakadza.inosetsa asi nekuti ndabva ndawona picture yezvirkuitika