Thursday, July 31, 2008

SVAKABVA NEPI?

Pane makore andakazvivhomhora
ndokufamba sendisimo, ndazvisendeka
pamadziro ezvisionekwe, zvekuti
chero pakumira pamberi pemira,
mutumbi wangu waivhundutswa nekuzviona.
Mazuva iwayo zvainzi neni
ndanga ndashanduka, ndichisade kana
kuudzwa kune uyo wandaimbova
uyo aichingunozivikanwa nevaya vasari
vanga vasina kundiona kwemakore...

Saka ndafamba ndiye rove rove
kuchera mwena ndiye nyu-u nyu-u
kuti chero ndaiedza kuzvichera
handaipawana pekutangira kuzvinyurura
kuita kunge repiri raMabasa benzi
raifunga kuti pamwe rakafa;
chero chaipo pandaiva ndazvisendeka
ndakatadza kupafembedza kuti ndipawane.

Ndokuzoti rimwe zuva
ndakoromoka kubva mumuti hweurovi
ndakokwa kunogocha nyama, ndikati
pamwe ndichirini, regai ndiende kune vekwangu.
Kuchinoti vhu-u, imika!
Svaivapo sverunako MaDhuve svakandidaidzisa
ramai zita, svikandivhomora mumwena
hwehuchoni mandanga ndasendeka ndangariro
ndokundizevera,"Hakuna kwawakaenda."
Ini hezvo, wati chii?
"Urimo mudenhe rinoda kumutswa iri!"
Kunoti bhebhenuku, inga, a-ah, zvandaingova pano!

Svakaita hasvo; svakagwa svimire.
Nhasi togarawo pano tichinzwa vanaDembo
Tozunguzika tichinyerekedzwa negitare raChimbetu
Tokwatamiswa nerisigumi bhesi raMacheso
uku hurongwa huchirukirwa konzatu yaTuku.
Svakaita hasvo; svakagwa svimire.

No comments: