Thursday, July 31, 2008

REGAI ARIKO

Ipo pano ndipo pototobatirira,
nekuti tikairega ichipudzunuka
inofa kwedu.

Makati ndiyani wenyu zviya?
Sekuru vekwasekuru; rimwe zuva
takamuka ndokuwana akamira panze
Kuti timuti sva-a, zvikanzi
ndiri umwe wenyu!

Nhasi zvaava ikoko
totoramba takati naye name-name
ndiko kuti titonombora rinopisa pano.

No comments: