Wati maitamba pada
mumigwagwa yeMufakose,
gare gare monzvenga mota nemidhudhu:
hongu maikura, ndati maikura.
Isuwo tichikura maMazvihwa
taikoda vasikana tichibva kuchikoro -
taivatandanisa, tomira
kuti vamboti mhanye-mhanye,
asika taera tazviti sa-a,
vaibatwa vasati vapota seri kwezvuru.
Ndakapoda wekwaDzoro
zuvaro ndakadzidziswa upenyu
ndikafonyorwa mawara kusvika
ndati rototo: poda, kwete pada
yanga yaunyanisa chiso
apo mwana waDzoro akaikwetsura
hoyo neni rondondo - kwananangwa kwangu.
Ini kutoti enda kumba!
mwana akati bodo, wandipoda
Ko handiti ndizvo tinoita
Unotiza, ini ndokukwitimisa, ndokubata ,ndopoda
Rindai ndokuti kwete kwedu
wekwaDzoro havapodwi -
wapoda wadoda wodowana!
Ini hezvo!
Yakanditevera mhere kumba,
mwana ndokuzodzokera kwake
yabviswa inofamba mombe;
ndikarimiswa gandiwa kumunda,
ipapo vekwangu vasati vatanga
kundidzidzisa ungwaru hunopa pundutso.
Asi kwaiva kukura-
Imi maitamba pada
vekwedu vasikana vachimhanya padira poda.
Thursday, May 24, 2007
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment