Thursday, May 17, 2007

Hapana Kwandakainda

Wakatiti uchatidongorerawo
asi nhasi yafamba mwaka
tasweroyeva nzira, munhu zi-i ariko.

Tatarisa tsapi yawairara
yaneta nekushama n'ai -
kutosweroyeva nzira yawakabuda nayo
tsapi yoora mwoyo, chishuwo-wo
chekukupfunda uchikurunga upenyu -
"Tichamuunzirwa muroora riinhi?
Chero angava mubvakure,
kanaye zvake atisinganzwi zvaanotaura
chero ivo vamwe vaya vataisamboda kare -
tingasva tatoti zvuvana nepfambi yekwaDzoro
tiwanewoyo anotomborikurunga pano
achifumotsvairayo tsapi yafundumwara."

"Ndiri kuno mbuya
Ndirikuno. Asi nguva zhinji handiko.
Pamwe ndinombotadzoziva kwandiri
ndozovhunduka angu neetsapi
adzvondorerana muhope."

Ndiri kuno mbuya -
ndiri kuno, asi zvimwe zvese:
mwoyo, mweya, mapapu, zviroto
zviri kugwesha mumadziro etsapi
umo ndiri kukwatsurana neumhizha hwaBhunga
yangu mhuri huri hudzviyotsviyo hweshiri dzaRunde.

Ndiriko mbuya,
ndiri ikoko kwandasakasiya.

No comments: