Wednesday, January 2, 2008

KUMUKIRA PUNDUTSO

Akati zvaramba ndeupi?
Isu tanga tisati tatanga kumhemhaira?

Vamwe vanhu vanoda mbama
inonamwa neruoko rwesimbi
kuti vafumofembedza chinopa pundutso
kuti vafumokuromora monga
wagara makore nemakore
pasina kanaye akaronda twunyunyu.

Anosweroti zvaramba ndeupi
Auye pano tipanye nduru yake
amukirongunjira muna Runde sevamwe
kuti vaya vanotinyn'enamira
vaziwe kuti tiri kure asi hatirare.

No comments: