Thursday, July 31, 2008

GORE RABUDA VENENZIYA

PaMototi taibvukuta pasi
netsoka dzanga dzakarodzwa
kugashira unyanzvi hwaiunzwa naDembo;

Kwaiti Taru, chigero chevhu,
Aiti kana zvasvika haaikendenga
kuti ashandisa dumbu kana garo
chero aikuya pasi chete
kudairira mukwenyimoyo VeNenziya.

Koti mukoma, uyo anga achongodzoka
kubva Joni uko anga andonhongana nesidhudya yake
haiwa, vairioenesa ndondo dairiro
vanhu vakaona ndondo nekukanda mari,
nesuwo taikura tikatowana imwe chenji
yekunovhaira nayo kuzvikoro uku.

Asi gore iroro raVenenziya
ndiro rashaika hure rekwaMurimi
vachiti kwaanga abva uku
anga akoromorana nemago ane mashavi,
isu tichiudza nezvigagairwa zvaifanira
kuti zvikure zviunze roora kumhuri
Vana Raviro vanga vachivhara makoni ehupenyu
Ndiye mhomhomho kwaMurimi kusina
Kana risina zita kobiri ranga raunzwa
Anga akura waMurimi mwanakadzi
Asi pakashaya mhemberero yakaitwa.

KUVAGONI VESLOW MOTION

Nanairai henyu vakomana
pamwe ndizvo zvotoda muno
kumboita slow motion
kuti musvo wemumanzi unyure mukatikati
Tibaiwe pakati chaipo pasingasviki kana tsono.

Itayi vakomana nevasikana,
itayi zvamafambira imi musakamhanya;
pamwe inguva yeslow motion
tinzwe kuunga ketyava isati yanama mitezo.

SVAKABVA NEPI?

Pane makore andakazvivhomhora
ndokufamba sendisimo, ndazvisendeka
pamadziro ezvisionekwe, zvekuti
chero pakumira pamberi pemira,
mutumbi wangu waivhundutswa nekuzviona.
Mazuva iwayo zvainzi neni
ndanga ndashanduka, ndichisade kana
kuudzwa kune uyo wandaimbova
uyo aichingunozivikanwa nevaya vasari
vanga vasina kundiona kwemakore...

Saka ndafamba ndiye rove rove
kuchera mwena ndiye nyu-u nyu-u
kuti chero ndaiedza kuzvichera
handaipawana pekutangira kuzvinyurura
kuita kunge repiri raMabasa benzi
raifunga kuti pamwe rakafa;
chero chaipo pandaiva ndazvisendeka
ndakatadza kupafembedza kuti ndipawane.

Ndokuzoti rimwe zuva
ndakoromoka kubva mumuti hweurovi
ndakokwa kunogocha nyama, ndikati
pamwe ndichirini, regai ndiende kune vekwangu.
Kuchinoti vhu-u, imika!
Svaivapo sverunako MaDhuve svakandidaidzisa
ramai zita, svikandivhomora mumwena
hwehuchoni mandanga ndasendeka ndangariro
ndokundizevera,"Hakuna kwawakaenda."
Ini hezvo, wati chii?
"Urimo mudenhe rinoda kumutswa iri!"
Kunoti bhebhenuku, inga, a-ah, zvandaingova pano!

Svakaita hasvo; svakagwa svimire.
Nhasi togarawo pano tichinzwa vanaDembo
Tozunguzika tichinyerekedzwa negitare raChimbetu
Tokwatamiswa nerisigumi bhesi raMacheso
uku hurongwa huchirukirwa konzatu yaTuku.
Svakaita hasvo; svakagwa svimire.

CHEROPO PAMUNOZEZA

Rukai zvinorukika, zvimwe kure moposhera;
Ndondai panenge pakafanira
Asi nguva zhinji rangararira
kuti chero ndangariro chaidzo
dzinodembawo chose kurangarirwa;

ndosaka muchivanzwa vapfana vemazuvano
vane minwe isiteti waya dzemagitare
vachiikwetsurayo inokudubura ndangariro
dzoerekana dzarara mudota nemusana
asi padzinomuka dzinozunguzika nemanyawi
ekuziva kuti dzazivikanwawo...

Imika, ndiyani asingadiwo
Uyu MaDube kana MaSibanda wangu
kana kunzi hechino chikara changu
chikungurusamabwe changu chine mbabvu dzesimbi?
Kana aripo, ndiudzei ndimukoke kuno.

REGAI ARIKO

Ipo pano ndipo pototobatirira,
nekuti tikairega ichipudzunuka
inofa kwedu.

Makati ndiyani wenyu zviya?
Sekuru vekwasekuru; rimwe zuva
takamuka ndokuwana akamira panze
Kuti timuti sva-a, zvikanzi
ndiri umwe wenyu!

Nhasi zvaava ikoko
totoramba takati naye name-name
ndiko kuti titonombora rinopisa pano.

Wednesday, July 30, 2008

MUSAUKANGANWA

Chakanikira mutauro ndechichi:

Kune vanokanda mavhinga
vachiedza kutosvora maziso acho ChiShona,
asi kutambisa mativi anovhunga mhepo.

Kune vanojatuka, voti mha
vokunguruka.
Vatarisei.
Vachati kwaku
Tomhozve
kana vabvuraudzwa
nehope dzine meno
akarodzwa.

PATICHAENDA KWAOLIVER MTUKUDZI

Kuri kare, tichiri kwedu
Taiti rugare rwuri kutiendesa kwaTuku,
Asi tiri kuendeswa nenhamo, zvishuwo
zvekunoona zvinotiswededza nekumba
pasina kana hapo chatinodokwairira kumushako.
Vamwe vedu tichatochema, tigovigayo misodzi
mutsoka dzinenga dzichibvukuta kapeti yemuYoshi.

Titova kutaura izvozvi, tichikokana
isu zvigeven'a zvapfakama musango kwemakore;
tiri kuzuwa hedu, tichiudzana kuchanangwa.
Ndiko kwatichanoona, tomboshainirana
asi mudzihana dikita richivaka mapopoma
Kushaya pekumira, kushaya pekutangira
Kusaziva kunobviwa, kusatarisira kungangoendwa
Asi tichabvukuta pasi pakabva chiri kumeso!