Monday, January 7, 2008

PATAITUTUMA

Paripo pataiti tati ngori mudariro
Taimonyoroka togoti twi twasa, tendeu
tomho tomho tomho, tendeu twasa twi --

Taijuruja mafaro guruva pfumbu,
Taiteta sehuku dzanamwa nerudo
kunze kwakayeva tichikazaira
matumbu akati tashu, zvipfuva zvichitutuma.

Ndipo paya pataiti tikati tatandara
tainge tatokonya zvitubu zvemafaro
zvanga zvakati pfaka mumatindindi --

Asi nhasi asi nhasi...
Ko makaenda nepi vana Chari
maizodza pungwe vuchi hwerofa?
Makaendepi vanaMisheki
zvikara zvetsvetso?
Makaindepi vana Lindiwe
zvisikana zvepoda zvaimutsa nyenyedzi kubva kuvafi?

Wednesday, January 2, 2008

KUMUKIRA PUNDUTSO

Akati zvaramba ndeupi?
Isu tanga tisati tatanga kumhemhaira?

Vamwe vanhu vanoda mbama
inonamwa neruoko rwesimbi
kuti vafumofembedza chinopa pundutso
kuti vafumokuromora monga
wagara makore nemakore
pasina kanaye akaronda twunyunyu.

Anosweroti zvaramba ndeupi
Auye pano tipanye nduru yake
amukirongunjira muna Runde sevamwe
kuti vaya vanotinyn'enamira
vaziwe kuti tiri kure asi hatirare.

Thursday, October 25, 2007

TIBVIRE APA

Kuswerotivhairira kunge wakabata gidi,
Cheroye ahwina rotari anowira pasi:

Tibvire apa!
Tiendere kubasa utitengechereyo mhuri;
vana vangafamba vari marangwanda
iwe uchiswerotevedzana nemakasi
uchiswerotsvairatwo twushoma twekuhondo
apa musha chiri chiseko cheraini rese?

Hon'o, ungati rinowanikwepi basa,
Hon'o, ungati cherowo mapurazi haasisina pundutso,
asi kana wakavaunza panyika vanavo
unoti vanonobepi chekutandadza ura?

Ha, ibva apa! Iti nyamwi
utiendere Joni kwaperera vamwe,
cheroko Zambia kumakwetye
uko Kwacha rinonzi ratumba pachituro chehushe.

Wednesday, September 19, 2007

NDONYEREKEDZA

Zvogonzi zvashaya basa
izvo zvisati zvawana seizve?

Simukai manhi muti kwavara-kwavara
munotitimbiraro gandiwa ratova gombo,
manyisai munobura hari isati yatutumira mumoto,
mobvoko motigarira pasi makabwandira.

Ndozvinoipwaka,
ndozvinopa pundutsoka,
ndovinotaridza kuti mune dzakarodzwa -

kwete kuswerosekwa nevane mavende mupfungwa.

Tuesday, July 31, 2007

KUMUTSWA NEUVHIMI

Dzimwe totsunya tosiya dzakadzaro,
koita dziya dzisidongorerwe, dziya dzinogarotutuma
mawara achipopoma saRunde: idzo ndedzekuramwa
ndokuti zvitifambire kuno
ndokuti muwanewo chekubhanzura.

Thursday, May 24, 2007

Padira Poda

Wati maitamba pada
mumigwagwa yeMufakose,
gare gare monzvenga mota nemidhudhu:
hongu maikura, ndati maikura.

Isuwo tichikura maMazvihwa
taikoda vasikana tichibva kuchikoro -
taivatandanisa, tomira
kuti vamboti mhanye-mhanye,
asika taera tazviti sa-a,
vaibatwa vasati vapota seri kwezvuru.

Ndakapoda wekwaDzoro
zuvaro ndakadzidziswa upenyu
ndikafonyorwa mawara kusvika
ndati rototo: poda, kwete pada
yanga yaunyanisa chiso
apo mwana waDzoro akaikwetsura
hoyo neni rondondo - kwananangwa kwangu.

Ini kutoti enda kumba!
mwana akati bodo, wandipoda
Ko handiti ndizvo tinoita
Unotiza, ini ndokukwitimisa, ndokubata ,ndopoda
Rindai ndokuti kwete kwedu
wekwaDzoro havapodwi -
wapoda wadoda wodowana!

Ini hezvo!

Yakanditevera mhere kumba,
mwana ndokuzodzokera kwake
yabviswa inofamba mombe;
ndikarimiswa gandiwa kumunda,
ipapo vekwangu vasati vatanga
kundidzidzisa ungwaru hunopa pundutso.

Asi kwaiva kukura-
Imi maitamba pada
vekwedu vasikana vachimhanya padira poda.

Thursday, May 17, 2007

Hapana Kwandakainda

Wakatiti uchatidongorerawo
asi nhasi yafamba mwaka
tasweroyeva nzira, munhu zi-i ariko.

Tatarisa tsapi yawairara
yaneta nekushama n'ai -
kutosweroyeva nzira yawakabuda nayo
tsapi yoora mwoyo, chishuwo-wo
chekukupfunda uchikurunga upenyu -
"Tichamuunzirwa muroora riinhi?
Chero angava mubvakure,
kanaye zvake atisinganzwi zvaanotaura
chero ivo vamwe vaya vataisamboda kare -
tingasva tatoti zvuvana nepfambi yekwaDzoro
tiwanewoyo anotomborikurunga pano
achifumotsvairayo tsapi yafundumwara."

"Ndiri kuno mbuya
Ndirikuno. Asi nguva zhinji handiko.
Pamwe ndinombotadzoziva kwandiri
ndozovhunduka angu neetsapi
adzvondorerana muhope."

Ndiri kuno mbuya -
ndiri kuno, asi zvimwe zvese:
mwoyo, mweya, mapapu, zviroto
zviri kugwesha mumadziro etsapi
umo ndiri kukwatsurana neumhizha hwaBhunga
yangu mhuri huri hudzviyotsviyo hweshiri dzaRunde.

Ndiriko mbuya,
ndiri ikoko kwandasakasiya.