Thursday, May 24, 2007

Padira Poda

Wati maitamba pada
mumigwagwa yeMufakose,
gare gare monzvenga mota nemidhudhu:
hongu maikura, ndati maikura.

Isuwo tichikura maMazvihwa
taikoda vasikana tichibva kuchikoro -
taivatandanisa, tomira
kuti vamboti mhanye-mhanye,
asika taera tazviti sa-a,
vaibatwa vasati vapota seri kwezvuru.

Ndakapoda wekwaDzoro
zuvaro ndakadzidziswa upenyu
ndikafonyorwa mawara kusvika
ndati rototo: poda, kwete pada
yanga yaunyanisa chiso
apo mwana waDzoro akaikwetsura
hoyo neni rondondo - kwananangwa kwangu.

Ini kutoti enda kumba!
mwana akati bodo, wandipoda
Ko handiti ndizvo tinoita
Unotiza, ini ndokukwitimisa, ndokubata ,ndopoda
Rindai ndokuti kwete kwedu
wekwaDzoro havapodwi -
wapoda wadoda wodowana!

Ini hezvo!

Yakanditevera mhere kumba,
mwana ndokuzodzokera kwake
yabviswa inofamba mombe;
ndikarimiswa gandiwa kumunda,
ipapo vekwangu vasati vatanga
kundidzidzisa ungwaru hunopa pundutso.

Asi kwaiva kukura-
Imi maitamba pada
vekwedu vasikana vachimhanya padira poda.

Thursday, May 17, 2007

Hapana Kwandakainda

Wakatiti uchatidongorerawo
asi nhasi yafamba mwaka
tasweroyeva nzira, munhu zi-i ariko.

Tatarisa tsapi yawairara
yaneta nekushama n'ai -
kutosweroyeva nzira yawakabuda nayo
tsapi yoora mwoyo, chishuwo-wo
chekukupfunda uchikurunga upenyu -
"Tichamuunzirwa muroora riinhi?
Chero angava mubvakure,
kanaye zvake atisinganzwi zvaanotaura
chero ivo vamwe vaya vataisamboda kare -
tingasva tatoti zvuvana nepfambi yekwaDzoro
tiwanewoyo anotomborikurunga pano
achifumotsvairayo tsapi yafundumwara."

"Ndiri kuno mbuya
Ndirikuno. Asi nguva zhinji handiko.
Pamwe ndinombotadzoziva kwandiri
ndozovhunduka angu neetsapi
adzvondorerana muhope."

Ndiri kuno mbuya -
ndiri kuno, asi zvimwe zvese:
mwoyo, mweya, mapapu, zviroto
zviri kugwesha mumadziro etsapi
umo ndiri kukwatsurana neumhizha hwaBhunga
yangu mhuri huri hudzviyotsviyo hweshiri dzaRunde.

Ndiriko mbuya,
ndiri ikoko kwandasakasiya.

Zvekuno

Nhasi kwamuka kwakakwidibira kuno mhai;
ndafungiswa zuva riya
apo makanditi, "Mhanya!"

Yanga yarira yebhunu Nato
Uku dunhu rokwitimira kwaChivi
uko taizonohwanda kwemasvondo.

Nhasi kwamuka kwakakwidibira kuno mhai;
Patati tichitezvo zvemazuva ese -
Kuchipindamo munzira tananga kuminda
ndokuwana haikona zhonga zhonga iroro;
ari apa odyunga umwe nemunwe
uyowo ari apo okanda mavhinga eshungu
kuchinoti ko chii
hanzi tamomoterwa, handi makwiriro iwayo
aita mitengo yemafuta emota
ayo okonzera kukwira kweyezvimwe zvese.

Wednesday, December 20, 2006

Ndati Nditi Ndinokuda

Kahana kuzunguzika,
pfungwa dzopeperekera kwauri,
chishuwo chava chokudziya moto newe,
takagumbatirana,
muzvipfuva tititi,
zviso zvichitaima nemwenje wenyemwerero:
ndirwo rudo rwandaitsvaga
rwadai kundiyambusa nzizi nedzinoera,
ndichigweshera panondidongoresa muchitubu chemwoyo wako
kuti ndinyukuredzo mbambo
dzichahaka changu chido kune chako:
chishuwo,
twudokwairo - -
musvo wezvichatiyambutsa makungwa,
tondodekarira mhiri uko takamirirwa negwara idzva
rezvatavinga pane rino pasi...

Tuesday, December 5, 2006

Makazvinonokera

Tangoyeva imi
tichikwenya zvirebvu zvedu;
tinozviziva kuti vatsva vetsambo
munovaviwa nepasisiite kukwenya pavanhu.

Chamusingazive
ndouko kwatakabva nako zvedu vane;
mava kutotutuma semabhodho,
mokanganwa kuti vakazvitanga ndisu
avo munotanyanga semune hanyn'a.
Asi handiyo nyaya zvayo;
chatakudaidzira pano kuzokuyeuchidzayi gwara
musive kuti twamatanga utwu
takatotwuonesa ndondo;
pomotangirapa handipo
nekuti kwakuchasvitsayi igwenga -
zvamatanga izvi makazvinonokera.

Thursday, November 16, 2006

Totangazve

Upenyu hausi hwezvekutanga nguva dzose;
upenyu ndehwekupuruzira mhenderekedzo dzeraramo;
upenyu ndehwekuningisa kumagumo;
upenyu ndehwekutumbura matumbu ezvinopa upfu,
as nhasi ndati nditi ngatitatange
kuningisa kumabvazuva ezvinhu zvese,
tibve tati ziso dzvoko,
kunyange mushana ukatitosvora;
ndati titsvage nekuwanazvo zvinopa shungu:
dzekubudirira
dzekurota
dzekumiramira
dzekumema ndima yatatema
ticherechedze nekuyeva umhizha hwedu
uhwo washaisa Mazvihwa yose neremuromo.

Kudai ndokuziva mwoyo
hweizvo zvisizikanwi bva zvichipa upenyu;
izvozvo zvakabvirotsvagwa
neavo vakakambaira kare
vakazopedzesira vomedzwa nevhu
vasati vaziva kwekutangira
ndokuchibvoshaya chaiko kwekugumira.

Zvandatanga

Zvandava kutangezvi
ndozvakapa tsuro ungwaru
akazoswera achemedza vana gudo
vaya vepfungwa dzisina mushumo.

Zvandatangezvi
Ndozvichawedzera umhizha hwataitsvagu huya
apo taiduka muChisiya
tichinzwa nhoroondo dzaVaBhunga
sekuru vangu vaya wekuzobiwa nenguva;
avo vakanditi: "Kurarama huvhura meso."
asi ipapo ndakatsunzunyiswa meso nesetswa
sezvo ndaiva jandu raida mushana.

Asi nhasi ndazosvitanga;
yasvika nguva
yekumbandikira musvo wehupenyu
kwava kuchiunyungudusa mumukanwa weshungu
dzadai kutimhemhairira
mhemhairo yatigwengurisa masango neanoera
ndokutipfakamisa kachakarehwa.