Saka dai ndakaramba ndinewe, Dudzai
Tingadaika takaroorana?
Ehe.
Hezvo! Saka wanga uchandiudza riinhi
Muwanano iyoyo, kuti wanga usina
Kumbogara zvako wakandida?
Wanga uchandiudza riinhi
nezvegandanga rako, iro randinonzwa
Kuti ranga ratakupa rin'i nerweseri?
Hameno.
Hezvo!
Zvanga zvambofamba seiko?
Asi wanga waona twumarubvurubvutwo
Twataipiwawo pedu paUZ paya
Ukari ndazviwanira yangu mbozha?
Ko zvawaingondiziva wani nhai Dudzai.
Wednesday, July 30, 2008
HATIRIKANGANWI ZUVARO
Ndiyani angakanganwa izvozvo:
Mitumba yevarume ichizhaka ivhu,
padivi twusikana tuchimveya nekuchohonya pasi
huruva ichipfumbuka, kunge yaidawo kuona
zvikara zvemaoko zvaivanga ngoma.
Anga asvika maZiyoni ekwaMutendi mudunhu;
nesuwo tanga takasungwa mbiradzakondo nemhasa
takati kwaku dande tananga kwayabhon'a ngoma
ndokuwana haikona, hapaidanwa ainzwa.
Hapana angarikanganwa zuvaro
rakakoromokera ruwa rwese kwaRungeya
rwuchiuya kuzoonacho changa chati vhu-u.
Parakandodoka vazhinji vanga vapfakama
mudariro renhendeuko, nekuti yanga yauya
shanduko dunhu rakadekara; changa chauya
chitsva changa chisiri murutsoka
chaivhutumusa hana kana dzesimbi
yanga yasvika nguva yekucheuka
nekuonacho changa chati kobo
Tese tikatendeuka haikona!
Mitumba yevarume ichizhaka ivhu,
padivi twusikana tuchimveya nekuchohonya pasi
huruva ichipfumbuka, kunge yaidawo kuona
zvikara zvemaoko zvaivanga ngoma.
Anga asvika maZiyoni ekwaMutendi mudunhu;
nesuwo tanga takasungwa mbiradzakondo nemhasa
takati kwaku dande tananga kwayabhon'a ngoma
ndokuwana haikona, hapaidanwa ainzwa.
Hapana angarikanganwa zuvaro
rakakoromokera ruwa rwese kwaRungeya
rwuchiuya kuzoonacho changa chati vhu-u.
Parakandodoka vazhinji vanga vapfakama
mudariro renhendeuko, nekuti yanga yauya
shanduko dunhu rakadekara; changa chauya
chitsva changa chisiri murutsoka
chaivhutumusa hana kana dzesimbi
yanga yasvika nguva yekucheuka
nekuonacho changa chati kobo
Tese tikatendeuka haikona!
Saturday, July 19, 2008
HAVANA KUFA
Nezuro pane akati pamwe
vadzimu vakafa, hanzi chero tikasweroimba
nekushamatata, kusveroridira pasi
kwaa kuungudza kuti vatinzwe
hanzi hapana chichiripo
nekuti mweya yevatinodana
yakatsakatikawo,kukangosarawo
makuva anoshama n'ai.
Aiwazve, musadaro vehama;
kuoma kuoma hako kwezvinhu
zvichemo zvichiswerova mamvemve
zvisati zvabuda muhana, asi
mapako ataisimboona zvemando zvipoko
azere nevanotiringa
vachikwengana nezvinotivhiringa
kusvikira zuva richadzutuka Kariba.
vadzimu vakafa, hanzi chero tikasweroimba
nekushamatata, kusveroridira pasi
kwaa kuungudza kuti vatinzwe
hanzi hapana chichiripo
nekuti mweya yevatinodana
yakatsakatikawo,kukangosarawo
makuva anoshama n'ai.
Aiwazve, musadaro vehama;
kuoma kuoma hako kwezvinhu
zvichemo zvichiswerova mamvemve
zvisati zvabuda muhana, asi
mapako ataisimboona zvemando zvipoko
azere nevanotiringa
vachikwengana nezvinotivhiringa
kusvikira zuva richadzutuka Kariba.
Monday, June 23, 2008
TENDAYI VADZIMU
Vakandidenhera nyuchi dzegonera
Vachibva vati ware nemuburi rebako
Ndokundisiya ndakahakwa nerukato,
Uku bako raVangeya richiuunga nehasha--
Dzakandiwana ndichigwesha nekuyuwira
Pamukova webako, ndichiti
Ndanga ndatofotyawo, dzikakwetsura zvadzo chikwe-e
Ndokuchibva dzarodza miseve;
Pandakadomboti kwaku kwaku nzve-e
Dzakabhumuka zvadzo nesetswa dzandinanga.
Dzakandiruma weduwe; dzakandidyunga ndikayuwira
Zvikashaya basa; cherozvo zhinji dzakatsakatiropo
Pamuviri kwangu nekukwizwa
Tendayi vadzimu kuti ndiri pano.
Vachibva vati ware nemuburi rebako
Ndokundisiya ndakahakwa nerukato,
Uku bako raVangeya richiuunga nehasha--
Dzakandiwana ndichigwesha nekuyuwira
Pamukova webako, ndichiti
Ndanga ndatofotyawo, dzikakwetsura zvadzo chikwe-e
Ndokuchibva dzarodza miseve;
Pandakadomboti kwaku kwaku nzve-e
Dzakabhumuka zvadzo nesetswa dzandinanga.
Dzakandiruma weduwe; dzakandidyunga ndikayuwira
Zvikashaya basa; cherozvo zhinji dzakatsakatiropo
Pamuviri kwangu nekukwizwa
Tendayi vadzimu kuti ndiri pano.
Friday, June 20, 2008
INI HANDITYI INI
Handityi ini, handityi kunzi rombe
Umwe wevaya vamunonzwa kuti
Varoverako kumadhiya asipore
Kwatinokwata nehuranda,takanamwa nehurimbo;
Uko nyadzi dzinofamba uri musvo
Dzichikasvana nezitubhu zvizere nhunzi.
Asi handityi ini
Ndati handityi kunzi rombe.
Izvozvi regai ndibude
Ndinomema munda wenyadzi.
Ndati regai ndipfeke nguwo dzehuranda
Ndibude zvangu ndinovatsengera vamedze
Avo vanotipa manyawi ane zvigamba kuno.
Umwe wevaya vamunonzwa kuti
Varoverako kumadhiya asipore
Kwatinokwata nehuranda,takanamwa nehurimbo;
Uko nyadzi dzinofamba uri musvo
Dzichikasvana nezitubhu zvizere nhunzi.
Asi handityi ini
Ndati handityi kunzi rombe.
Izvozvi regai ndibude
Ndinomema munda wenyadzi.
Ndati regai ndipfeke nguwo dzehuranda
Ndibude zvangu ndinovatsengera vamedze
Avo vanotipa manyawi ane zvigamba kuno.
ZVAKASARA ZVOBUDA TABVA
Pane zvakabuda tichiko
Zvataiti tikanzwa, hana dzotitidza
Ropa richishanyira tsvinga
Nedzisakazivikanwa.
Asi zvakazobudza tabva
Tikazozviziva papera makore
Izvi zvinokwetsurisa mhere inodhiriza makomo,
Imhere yakakanyaniswa neaya mafaro
Anoti vanoaona vanoti pamwe wakasutswa
Chero kunzi dzako dzadambuka--
Dzunguwaya chairo rashaya pekumhara:
Aiwa, kushaya kuti tofara here?
Kushaya kuti tochema here?
Kushaya kuti topemberera here
Iro bhiza renguva
richikwitima kudai, huruva rayo
Chiri chitsita chatimhara
pamwoyo uya wemukati-kati.
Zvataiti tikanzwa, hana dzotitidza
Ropa richishanyira tsvinga
Nedzisakazivikanwa.
Asi zvakazobudza tabva
Tikazozviziva papera makore
Izvi zvinokwetsurisa mhere inodhiriza makomo,
Imhere yakakanyaniswa neaya mafaro
Anoti vanoaona vanoti pamwe wakasutswa
Chero kunzi dzako dzadambuka--
Dzunguwaya chairo rashaya pekumhara:
Aiwa, kushaya kuti tofara here?
Kushaya kuti tochema here?
Kushaya kuti topemberera here
Iro bhiza renguva
richikwitima kudai, huruva rayo
Chiri chitsita chatimhara
pamwoyo uya wemukati-kati.
Friday, May 16, 2008
ZVICHAKANAKA
KwaVhazhure taikonzonga pasi
Vachidandaurwa vana Venenziya
Avo vasina zvipo vakangoyeva.
PaDande taibvukuta muhuruva
Pazvitoro zviya zviri muhapwa dzaMavuradona
Tichiadutira maFanta nezvigagairwa zvainanzira.
Takanga tavhomorwa munjodzi yehudiki
Zvino tananga kumatanga ehukuru
Uko kwatanga tamiririrwa nejonzi itsva.
Ndosaka taipfichuka nekutomhoka
Vana Chimbetu nanaTuku vachidandauka
Kutikwezva kuti titi mumatangawo ngori.
Vachidandaurwa vana Venenziya
Avo vasina zvipo vakangoyeva.
PaDande taibvukuta muhuruva
Pazvitoro zviya zviri muhapwa dzaMavuradona
Tichiadutira maFanta nezvigagairwa zvainanzira.
Takanga tavhomorwa munjodzi yehudiki
Zvino tananga kumatanga ehukuru
Uko kwatanga tamiririrwa nejonzi itsva.
Ndosaka taipfichuka nekutomhoka
Vana Chimbetu nanaTuku vachidandauka
Kutikwezva kuti titi mumatangawo ngori.
Subscribe to:
Posts (Atom)