Monday, June 23, 2008

TENDAYI VADZIMU

Vakandidenhera nyuchi dzegonera
Vachibva vati ware nemuburi rebako
Ndokundisiya ndakahakwa nerukato,
Uku bako raVangeya richiuunga nehasha--
Dzakandiwana ndichigwesha nekuyuwira
Pamukova webako, ndichiti
Ndanga ndatofotyawo, dzikakwetsura zvadzo chikwe-e
Ndokuchibva dzarodza miseve;
Pandakadomboti kwaku kwaku nzve-e
Dzakabhumuka zvadzo nesetswa dzandinanga.
Dzakandiruma weduwe; dzakandidyunga ndikayuwira

Zvikashaya basa; cherozvo zhinji dzakatsakatiropo
Pamuviri kwangu nekukwizwa
Tendayi vadzimu kuti ndiri pano.

Friday, June 20, 2008

INI HANDITYI INI

Handityi ini, handityi kunzi rombe
Umwe wevaya vamunonzwa kuti
Varoverako kumadhiya asipore
Kwatinokwata nehuranda,takanamwa nehurimbo;
Uko nyadzi dzinofamba uri musvo
Dzichikasvana nezitubhu zvizere nhunzi.

Asi handityi ini
Ndati handityi kunzi rombe.
Izvozvi regai ndibude
Ndinomema munda wenyadzi.
Ndati regai ndipfeke nguwo dzehuranda
Ndibude zvangu ndinovatsengera vamedze
Avo vanotipa manyawi ane zvigamba kuno.

ZVAKASARA ZVOBUDA TABVA

Pane zvakabuda tichiko
Zvataiti tikanzwa, hana dzotitidza
Ropa richishanyira tsvinga
Nedzisakazivikanwa.

Asi zvakazobudza tabva
Tikazozviziva papera makore
Izvi zvinokwetsurisa mhere inodhiriza makomo,
Imhere yakakanyaniswa neaya mafaro
Anoti vanoaona vanoti pamwe wakasutswa
Chero kunzi dzako dzadambuka--
Dzunguwaya chairo rashaya pekumhara:

Aiwa, kushaya kuti tofara here?
Kushaya kuti tochema here?
Kushaya kuti topemberera here
Iro bhiza renguva
richikwitima kudai, huruva rayo
Chiri chitsita chatimhara
pamwoyo uya wemukati-kati.

Friday, May 16, 2008

ZVICHAKANAKA

KwaVhazhure taikonzonga pasi
Vachidandaurwa vana Venenziya
Avo vasina zvipo vakangoyeva.

PaDande taibvukuta muhuruva
Pazvitoro zviya zviri muhapwa dzaMavuradona
Tichiadutira maFanta nezvigagairwa zvainanzira.

Takanga tavhomorwa munjodzi yehudiki
Zvino tananga kumatanga ehukuru
Uko kwatanga tamiririrwa nejonzi itsva.

Ndosaka taipfichuka nekutomhoka
Vana Chimbetu nanaTuku vachidandauka
Kutikwezva kuti titi mumatangawo ngori.

Monday, April 14, 2008

NANHASI

Iwe duka
usiye vane mashavi ekumeduka
vatandanisane nenhamo
ine mashavi anosutsa makudo--

siya vaunge,
siya vakozvore
mitezo yezvinosipa pundutso.

Monday, February 25, 2008

KUMUTSERENDENDE

Dzimwe nhamho ndedzokuvhara nembama
dzopwinya,
utsi hweshungu huchipuguka -
ndokunge mune maoko
anokwetsuradzo mbama.

Dzimwe nhamo ndedzokugutsirira misoro,
dzikati kotama tikashe
mokotama
dzikati gwadamai mukuye ivhu nezvirebvu
mogwesha, misoro muchigutsurira:
idzi ndodzinokusungai mbiradzakondo,
kudakara manuna kunge zvimikuyu
zvanhanzwa nezuva.

Kozoti dziya nhamo
ndinopupuma saRunde,
dzijijatuka nekuzvirova maditi.
Idzo nedzekuwirirana nadzo
modziudza kuti dzinokwatura semboma,
kuti dzinokwakwamura maware emawara
dzichisiya misha ava matongo:
Kana madzipa aya mazenze,
idzi dzinokunyerekedzai
dzombokuravidzaiwo monga wehupenyu hunozipa
dzombokuumburudzai mumadota,dzokungurai, dzokumemesai
mapani azere uchi nemapfura:
Idzi munodzihwandira dzakarara, mokasva,
idzo dzokunyangirai makadekara, dzon'en'a --
mutserendende wehwatsuro nagudo;
asi ndonhamo dzinotambisa bhora rehupenyu!

Wednesday, February 20, 2008

PADIRWA DORO

Mukombe uyu ndikasaupedza, ndichauti dzi pasi, ndomhemhaira,
Kana wabatwa nehope
ndichauti dzamu, mba, ndouti n'a
seuyo ari kukwekweta kubva muzamu
rinopa muto wehupenyu.